Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni pfuma isinganzverwi yaKristu, nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa muna Mwari, akasika zvose, kubva panguva yokutanga; kuti zvino madzishe navane simba kudenga vaziviswe nesungano kuchenjera kukuru kwaMwari; sechirevo chokutanga-tanga chaakatema muna Kristu Jesu, Ishe wedu; maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake. Saka ndinokumbira kuti murege kupera mwoyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu.
Nemhaka iyi ndinopfugama namabvi angu kuna Baba, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo, kuti vakupei papfuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati; kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda; kuti imi, mune midzi yenyu nenheyo dzenyu murudo; muve nesimba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko, nokuziva rudo rwaKristu, runopfuura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.
Zvino, iye ane simba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu, ngaave nokubwinya musangano muna Kristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.