Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 2:13-17

VaEfeso 2:13-17 SNA2002

Asi zvino muna Kristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye akaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarayirwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo

Verenga chikamu VaEfeso 2