Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 1:3-10

VaEfeso 1:3-10 SNA2002

Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe; uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva; akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi

Verenga chikamu VaEfeso 1