Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaEfeso 1:1-14

VaEfeso 1:1-14 SNA2002

Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda muna Kristu Jesu: Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari; baba vedu, naIshe Jesu Kristu. Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu, sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo; akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe; uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake; dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva; akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi; muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake; kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare muna Kristu; muna iye, nemiwo, makanzwa shoko rechokwadi maari, iyo Vhangeri yokuponeswa kwenyu; muna iye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa; uri rubato rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

Verenga chikamu VaEfeso 1