Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru. Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo. Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo. Ipapo ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.” Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
Verenga chikamu Muparidzi 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Muparidzi 9:13-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo