Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 9:1-8

Dhuteronomi 9:1-8 SNA2002

“Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga, navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, ‘Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?’ Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha. “Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako, uchiti, ‘Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kwokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.’ Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kwokururama kwako, kana nokuda kwokururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho. Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kwokururama kwako; nokuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu. “Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha. NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai.