Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 30:1-6

Dhuteronomi 30:1-6 SNA2002

“Zvino kana zvinhu izvi zvose zvichikuwira, iko kuropafadzwa nokutukwa, kwandakaisa pamberi pako, ukazvirangarira pakati pendudzi dzose, pawakadzingirwa naJehovha Mwari wako, ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako, ukateerera izwi rake, sezvandinokuraira zvose nhasi, iwe navana vako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose; ipapo Jehovha Mwari wako uchashandura kutapwa kwako, nokukunzwira tsitsi, nokukuunganidzazve pandudzi dzose, kwaakakurashanyira kwadziri, iye Jehovha Mwari wako. Kunyange vamwe venyu vakanga vadzingirwa kumagumisiro okudenga, Jehovha Mwari wako uchakuunganidzapo, uchandokutorapo; Jehovha Mwari wako uchakuuyisa munyika, yakanga iri yamadzibaba ako, kuti ive yako; uchakuitira zvakanaka, nokukuwanza kupfuura madzibaba ako. Jehovha Mwari wako uchadzingisa mwoyo wako, nemwoyo yavana vako, kuti ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, kuti urarame.