Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhuteronomi 13

13
Kunamata kwenhema
1“Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa, 2icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, ‘Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire;’ 3usaterera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. 4Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuterera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira. 5Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikinurai muimba youranda, akakutsautsa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
6“Kana mun'una wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikanwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, ‘Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako; 7vari vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedyo newe, kana kure newe, kubva pano rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwenyika’; 8haufaniri kumutenda, kana kumuterera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuvanza; 9asi unofanira kumuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako ngarutange kumuuraya, pashure maoko avamwe vanhu vose. 10Unofanira kumutaka namabwe, afe, nokuti wakatsvaka kukutsausa ubve kuna Jehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda. 11VaIsiraeri vose vazvinzwe, vatye, varege kuzoita zvakaipa zvakadai pakati pako.
12“Kana ukanzwa vachikuudza mune rimwe ramaguta ako aunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ugaremo, vachiti, 13‘Vana nyakuti vakaisvoipa varipo, vakabuda pakati pako’, vakatsautsa vagere muguta ravo, vachiti, ‘Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vamakanga musingazivi’; 14zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako; 15zvirokwazvo unofanira kuparadza vanhu vagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza chose, iro nezvose zviri mukati maro, nezvipfuwo zvaro, nomunondo unopinza. 16Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve. 17Chinhu chimwe chezvakayeriswa ngachirege kunamatira pamaoko ako, kuti Jehovha azvidzore pakutsamwa kwake kukuru, akunzwire nyasha, ave netsitsi newe, akuwanze, sezvaakapikira madzibaba ako; 18kana ukaterera izwi raJehovha Mwari wako, ukachengeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uchiita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

Zvasarudzwa nguva ino

Dhuteronomi 13: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda