Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:13-23

Dhanieri 6:13-23 SNA2002

Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.” Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanieri; akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira. Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, “Zivai imi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.” Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanieri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.” Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza. Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.” Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.

Verenga chikamu Dhanieri 6