Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:1-9

Dhanieri 6:1-9 SNA2002

Zvino Dhariusi akaona kuti zvakanaka kugadza machinda ane zana namakumi maviri paushe hwake, vaifanira kuva paushe hwose; pamusoro pavo akagadza vakuru vatatu, Dhanieri ari mumwe wavo; kuti machinda awa auye namashoko ose kwavari, uye kuti mambo arege kutadzirwa. Zvino Dhanieri uyu akapfuura vamwe vakuru namachinda, nokuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose. Ipapo vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomere Dhanieri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nokuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari. Zvino varume ava vakati, “Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanieri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.” Ipapo vakuru ava namachinda vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kwaari, “Mambo Dhariusi, raramai nokusingaperi. Vakuru vose voushe, navarayiri namachinda namakurukota namadzishe vakarangana kuti mambo aite murayiro nokutema chirevo chakasimba, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba. Zvino chitemai chirevo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi.” Naizvozvo mambo Dhariusi akaisa zita rake parunyoro nechirevo.

Verenga chikamu Dhanieri 6