Dhanieri 5
5
Ruoko runonyora pamadziro pamutambo wamambo Bheshazari
1Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paivo vane chiuru chezana. 2Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo. 3Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. 4Vakanwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe.
5Zvino nenguva iyeyo minwe yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko remadziro eimba yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora. 6Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana. 7Mambo akadanidzira achiti vauye nen’anga navaKaradhea navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu.” 8Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi vakanga vasingagoni kurava zvakanyorwa, kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo. 9Zvino mambo Bheshazari akatambudzika kwazvo, chiso chake chikashanduka maari, namadzishe ake akakanganiswa.
10Ipapo vahosi vakapinda muimba yomutambo, nokuda kwamashoko amambo naamadzishe ake; vahosi vakataura, vakati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi; pfungwa dzenyu ngadzirege kukutambudzai, chiso chenyu ngachirege kushanduka. 11Muushe hwenyu muno murume, ane mweya wavamwari vatsvene mukati make; pamazuva ababa venyu chiedza nezivo nenjere, zvakafanana nenjere dzavamwari, zvakawanikwa maari; mambo Nebhukadhinezari, baba venyu, ivo mambo, baba venyu, vakamuita mukuru wavachenjeri nen’anga navaKaradhea navafemberi; 12nokuti kuna Dhanieri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanieri ngaadanwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo.”
13Ipapo Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Ndiwe uya Dhanieri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here? 14Ndakanzwa zvako, kuti mweya wavamwari uri mukati mako, uye kuti chiedza nezivo nenjere kwadzo zvinowanikwa mauri. 15Zvino vakachenjera, idzo n’anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi. 16Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani hwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.”
17Ipapo Dhanieri akapindura akati pamberi pamambo, “Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.
18“Imi mambo, Mwari Wokumusoro‐soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru, nembiri noumambo; 19zvino nokuda kwoukuru, hwaakamupa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakadedera nokutya pamberi pake; aiuraya waaida kuuraya, airaramisa waaida kuraramisa, aikwiridza waaida kukwiridza, nokuderedza waaida kuderedza. 20Asi mwoyo wake wakati uchizvikudza, nomweya wake uchizviomesa, kusvikira achiita manyawi, akabviswa pachigaro chake choushe, vakamutorera kubwinya kwake; 21akadzingwa pakati pavanakomana vavanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro‐soro anobata ushe pakati pavanhu, achiupa waanoda. 22Asi imi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga muchizviziva zvose, 23asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukanwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye. 24Naizvozvo chanza choruoko chakatumwa chichibva kwaari, zvakanyorwa izvi zvikanyorwa.
25“Zvino zvakanyorwa ndezvizvi: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI. 26Kududzirwa kwechinhu ichi, ndikoku: MENE, Mwari akaverenga mazuva oushe hwenyu, akaugumisa. 27TEKERE, iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka. 28PERESI, ushe hwako hwakamurwa, hwapiwa Medhia navaPeresia.”
29Ipapo Bheshazari akarayira, vakafukidza Dhanieri nguo tsvuku vakamushongedza ngetani hwendarama pamutsipa wake, akaparidza pamusoro pake kuti ave mubati wechitatu paushe hwake. 30Nousiku uhwo mambo Bheshazari muKaradhea akaurawa. 31Dhariusi muMedhia akapiwa ushe, ana makore anenge makumi matanhatu namaviri.
Zvasarudzwa nguva ino
Dhanieri 5: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002