Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:1-7

Dhanieri 3:1-7 SNA2002

Zvino mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chendarama; chakanga chakaita mamita makumi matanhatu pakureba, namamita matanhatu paupamhi; akachimisa pabani reDhura munyika yaBhabhironi. Ipapo mambo Nebhukadhinezari akatuma vanhu kundokokera machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika, kuti vauye kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari. Ipapo machinda navarayiri namadzishe navatongi navachengeti vepfuma namakurukota navazivi vemirayiro navabati vose vamativi enyika vakaungana kumutambo wokugadzwa kwechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari; vakamira pamberi pechifananidzo chakanga chamiswa naNebhukadhinezari. Zvino mudanidziri akadanidzira achiti, “Munorayirwa imi vanhu, namarudzi, namarimi, kuti nenguva yamunonzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa namarimba, nezvimwe zvose zvinoridzwa, muwire pasi muchinamata chifananidzo chendarama chakamiswa namambo Nebhukadhinezari; ani naani asingawiri pasi achinamata, nenguva iyo achawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo.” Naizvozvo nenguva iyo vanhu vose vachinzwa kurira kwomumanzi nomutopota nembira norudimbwa nomutengeranwa nezvimwe zvose zvinoridzwa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakawira pasi vakanamata chifananidzo chendarama chakanga chamiswa namambo Nebhukadhinezari.

Verenga chikamu Dhanieri 3