Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaKorose 2

2
1Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodhikia, navose vasina kumboona chiso changu panyama; 2kuti mwoyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nepfuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu; 3maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwa.
4Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu anokurashai namashoko anonyengera. 5Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichiona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu muna Kristu.
Unovanyevera kuti varege kutsauswa
6Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari, 7mune midzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.
8Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu. 9Nokuti kuzara kwohuMwari kunogara maari pamuviri.
10Maari nemiwo makazadzwa, iye musoro wavabati vose namasimba; 11iye wamakadzingiswawo maari nokudzingiswa kusingaitwi namaoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu; 12makavigwa pamwechete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswawo pamwechete naye nokutenda kwenyu simba raMwari akamumutsa kuvakafa. 13Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai upenyu pamwechete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose, 14akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa; 15akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.
16Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo anokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana paSabata; 17izvi mumvuri wezvichauya; asi muviri ndowaKristu. 18Munhu ngaarege kuvapo anokutorerai mubayiro wenyu namawune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakaona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
19asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosimbiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.
20Zvino kana makafa pamwechete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirayiro, somugere munyika,
21mirayiro inoti, “Usabata,” “Usaravira,” “Usagunzva,”
22izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo; muchitevera mirayiro nedzidziso dzavanhu? 23Zvinhu zvakadai zvakaita sezvino uchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvina simba rokukunda kuchiva kwenyama.

Zvasarudzwa nguva ino

VaKorose 2: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda