Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti, hama yedu, kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu vari paKorose: Nyasha ngadzive nemi, norugare zvinobva kuna Mwari; baba vedu. Tinovonga Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nguva dzose kana tichikunyengetererai, zvatakanzwa zvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu, norudo rwamunarwo kuvatsvene vose, pamusoro petariro yamakachengeterwa kudenga, yamakanzwa kare pashoko rechokwadi reVhangeri; iyo yakasvika kwamuri, sezvayakasvika panyika yosewo; ichibereka zvibereko, ichikura, sezvainoita kwamuriwo, kubvira pazuva ramakanzwa nokuziva kwazvo nyasha dzaMwari muchokwadi; sezvamakadzidza kuna Epafirasi, muranda pamwechete nesu, anodikanwa, mushumiri akatendeka waKristu nokuda kwenyu
Verenga chikamu VaKorose 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaKorose 1:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo