Zvino vapostori vaiva paJerusaremu, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petirosi naJohani kwavari. Ivo vakaburukirako, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; nokuti akanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raIshe Jesu bedzi. Ipapo vapositori vakaisa maoko avo pamusoro pavo, vakapiwa Mweya Mutsvene. Zvino Simoni akati achiona kuti Mweya Mutsvene apiwa nokuiswa kwamaoko avapostori, akauya kwavari nemari, achiti, “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Sirivha yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari. Naizvozvo tendeuka pakuipa kwako, ukumbire kuna Ishe, kuti zvimwe uregererwe marangariro omwoyo wako. “Nokuti ndinoona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.” Simoni akapindura, akati, “Mundikumbirire zvikuru imi kuna Ishe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.” Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, vakadzokerazve Jerusaremu, vachiparidza Vhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
Verenga chikamu Mabasa 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 8:14-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo