Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:51-60

Mabasa 7:51-60 SNA2002

“Imi vemitsipa mikukutu, musina kudzingiswa pamwoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemiwo. Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino. Iyemi, makapiwa murayiro sezvawakarayiwa navatumwa, mukasauchengeta.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugedagedera meno. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati, “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.” Zvino vakadanidzira nezwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwechete; vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. Vakataka Sitefano, achidana achiti, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.” Akapfugama, akadanidzira nezwi guru, achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati areva izvozvo, akabva afa.

Verenga chikamu Mabasa 7