Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 7:20-43

Mabasa 7:20-43 SNA2002

Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, akanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; zvino akati araswa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake. “Zvino akati asvika makore ana makumi mana, mwoyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsiraeri. Akaona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akauraya muIjipiti, achitsiva akanga achitambudzwa. Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari akanga achida kuvaponesa noruoko rwake; asi havana kunzwisisa. Fume mangwana akavaona vachikakavara, akaedza kuvayananisa, achiti, ‘Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?’ “Zvino iye akanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu? Unoda kundiuraya, sezvawakauraya muIjipiti zuro kanhi?’ Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidhiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri. “Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa akaonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi. Mosesi akati achizviona, akashamiswa nezvaakaona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, izwi raIshe rikanzwika, richiti, ‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho.’ Ipapo Mosesi akadedera, akatya kucherekedza. Ishe akati kwaari, ‘Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti apo paunomira ivhu dzvene. Ndakaona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino uya ndikutume Ijipiti.’ “Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri. “Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nomuGungwa Dzvuku, nomurenje, makore ana makumi mana. Ndiyeye Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, ‘Mwari achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni.’ Ndiyeye akanga ari kuungano murenje, anomutumwa akataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba eduwo, akagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa. “Ndiye, wavakanga vasingadi kumuteerera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemwoyo yavo. “Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, akatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika naye.’ Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakauya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amaoko avo. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku yavaporofita, zvichinzi, ‘Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsiraeri here? Makatakura tabhenakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remifani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.’

Verenga chikamu Mabasa 7