Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 6:1-7

Mabasa 6:1-7 SNA2002

Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe. Zvino vane gumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati, “Hakuzakafanira kuti isu tirege kuparidza shoko raMwari, tishumire pamatafura. Zvino hama dzangu, tsanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere naMweya nouchenjeri, vatingaisa pabasa iri. Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa rokuparidza shoko.” Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakatsanangura Sitefano, murume akanga azere nokutenda naMweya Mutsvene, naFiripi, naPirokoro, naNikano, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, nyakupindukira kuchiJudha weAndioki. Vakavaisa pamberi pavapostori; vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo. Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru muJerusaremu; navapristi vazhinji vakagamuchira kutenda.

Verenga chikamu Mabasa 6