Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomwoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusina mumwe aiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose. Vapostori vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose. Nokuti pakanga pasina aishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakauya nomutengo wezvakatengeswa, vakazviisa pamberi pavapostori; mumwe nomumwe akagoverwa paakashayiwa napo. NaJosefa, akatumidzwa navapostori achinzi Bhanabhasi, ndokuti, “Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa”, muRevhi, munhu weSaipurasi parudzi rwake, aiva nomunda; akautengesa, akauya nemari, akaiisa pamberi pavapostori.
Verenga chikamu Mabasa 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 4:32-37
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo