Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari, vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana. Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu; naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru, vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?”
Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo; muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”
Zvino vakati vachiona kusatya kwaPetirosi naJohani, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu. Vakaonawo munhu, akanga aporeswa, amire navo, vakashayiwa chavangapindura nacho. Zvino vakati vavarayira kuti vabude paungano, vakarangana pakati pavo, vachiti, “Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusaremu vaona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu. Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichaparadzirwa pakati pavanhu.”
Vakavadana vakavarayira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu. Asi Petirosi naJohani vakapindura, vakati kwaari, “Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titeerere imi kupfuura Mwari. Nokuti hatigoni kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa; nokuti munhu akanga aitirwa chiratidzo ichi akanga ana makore makumi mana ane mirawudzo.
Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovaudza zvose zvavakanga vaudzwa navapristi vakuru navakuru. Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo; makareva naMweya Mutsvene, nomuromo waBaba vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti,
‘Vahedheni vakaitireiko hasha,
Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
Madzimambo enyika akamuka,
Navabati vakaungana pamwechete,
Kurwa naIshe naKristu wake.’
“Nokuti zvirokwazvo Herodhi, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsiraeri vakaunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza; kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruoko rwenyu, napakufunga kwenyu, kuti zviitwe. Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu vasingatongotyi, mutambanudze ruoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.”
Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.