Vakati vachataura navanhu, vapristi nomukuru wetemberi navaSadhusi vakauya kwavari, vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana. Asi vazhinji kuna vakanzwa shoko vakatenda; varume vakazosvika zviuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakaungana paJerusaremu; naAnasi, mupristi mukuru, naKaifasi, naJohani, naArekizanda, nehama dzose dzomupristi mukuru, vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti, “Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?”
Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo; muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”