“Varume, hama, namadzibaba, inzwai kuzvidavirira kwangu pamberi penyu zvino.” Ivo vakati vachinzwa, kuti wotaura navo norurimi rwechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Iye akati,
“Ini ndiri muJudha, ndakaberekwa paTaso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurayiro wamadzibaba edu, ndichishingairira Mwari, semi mose nhasi; ndikatambudza veNzira iyi kusvikira pakuuraya, ndichisunga varume navakadzi nokuvaisa mutorongo, mupristi mukuru sezvaangandipupurirawo namakurukota ose; ndikapiwa tsamba navo kuhama, ndikaenda Dhamasiko kuti ndiise Jerusaremu avo vaigarako, vakasungwa, kuti varohwe.
“Zvino ndakati ndichifamba, ndoswedera Dhamasiko, anenge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose nechiedza chikuru, chaibva kudenga. Ndikawira pasi, ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?’
“Ndikapindura, ndikati, ‘Ndimi aniko Ishe?’ Akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza.’ Zvino vaiva neni vakaona chiedza, asi havana kunzwa izwi rowakataura neni.
“Ndikati, ‘Ndodiniko, Ishe?’ Ishe akati kwandiri, ‘Simuka, uende Dhamasiko, apo uchaudzwa zvose zvakatarwa kuti uzviite.’ Zvino zvandakanga ndisingagoni kuona nokupenya kwechiedza icho, ndikasesedzwa noruoko navaiva neni, ndikasvika Dhamasiko.
“Zvino mumwe murume, ainzi Ananiasi, munhu ainamata Mwari sezvinoreva murayiro, aipupurirwa zvakanaka navaJudha vose vakanga vagerepo, akauya kwandiri, akamira, akati kwandiri, ‘Sauro, hama, chiona!’ Nenguva iyo ndikamuona. Iye akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akakutsanangura, kuti uzive kuda kwake, nokumuona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make. Nokuti iwe uchava chapupu chake kuvanhu vose chezvawakaona nezvawakanzwa. Zvino uchanonokereiko? Simuka, ubhabhatidzwe, usukwe zvivi zvako, udane zita rake.’