Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:42-46

Mabasa 2:42-46 SNA2002

Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapostori, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero. Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa navapostori. Navaitenda vose, vaiva pamwechete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo. Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka

Verenga chikamu Mabasa 2