Zvino zuva rePendekositi rakati rasvika, vakanga vakaungana vose pamwechete panzvimbo imwechete. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaonawo marimi achiparadzana, anenge emoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.
Vose vakazadzwa naMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo naMweya kureva.
Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake.
Vakakatyamara vose, nokushamiswa, vachiti, “Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariria here? Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? VaPatiya, navaMedhia, navaEramu, navanogara Mesopotamia, neJudhea, neKapadhokia, nePonto, neAsia, neFirigiya, nePamufiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibhia, dziri pedyo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, vanyakupandukira kuchipinda, navaKiriti, navaArabhia, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.” Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti, “Izvi zvinoti kudiniko?”
Asi vamwe vakaseka, vachiti, “Vaguta waini itsva.”
Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu, nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti,
‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira,
Ndichadurura Mweya wangu
pamusoro penyama yose;
Vanakomana venyu navanasikana
venyu vachaporofita;
Majaya enyu achaona zviratidzo,
Navatana venyu vacharota hope.
Napamusoro pavaranda vangu napamusoro
pavashandiri vangu,
Ndichadurura Mweya wangu
namazuva iwayo; vachaporofita.
Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro,
Nezviratidzo pasi pano;
Ropa, nomoto, nemhute yohutsi.
Zuva richashandurwa rima,
Nomwedzi uchashandurwa ropa.
Zuva guru raIshe rinobwinya risati rasvika.’
“Zvino kuchaitika kuti ani naani anodana zita raIshe achaponeswa. Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro; iye akamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti,
‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose,
Nokuti ari kurudyi rwangu,
kuti ndirege kuzununguswa.
Naizvozvo mwoyo wangu wakafara,
norurimi rwangu rwakafarisisa;
Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro.
Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi;
Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora.
Makandizivisa nzira dzoupenyu;
Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’
“Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose.
“Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene,
‘Ishe akati kuna Ishe wangu,
Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndichiita
vavengi vako vave
chitsiko chetsoka dzako.’
“Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.”
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?”
Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.”
Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa. Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapostori, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero.
Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvikaitwa navapostori. Navaitenda vose, vaiva pamwechete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; vakatengesa pfuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashayiwa napo. Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutemberi nomwoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kwavari zuva rimwe nerimwe avo vaiponeswa.