Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 17:22-34

Mabasa 17:22-34 SNA2002

Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati, “Imi varume veAteni, pazvinhu zvose ndinoona kuti munonamata zvikuru. Nokuti ndakati ndichipfuura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawanawo aritari yakanyorwa, ‘KUNA MWARI ASINGAZIKANWI.’ Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai. Mwari akasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutemberi dzakaitwa namaoko. Haashumirwi namaoko avanhu, saachinge achishayiwa chinhu, zvaari iye amene anopa vose upenyu, nokufema, nezvose; akaita marudzi ose avanhu, achibva kunomumwechete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo; kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu. Nokuti maari tino upenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti, ‘Nokuti tiri rudzi rwakewo.’ “Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kuti uMwari hwakafanana nendarama, kana sirivha, kana ibwe, zvakavezwa noumhizha kana nokuchenjera kwomunhu. Naizvozvo Mwari akarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino anorayira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendeuke. Nokuti akatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kuna vose, pakumumutsa kuvakafa.” Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati, “Tichazokunzwazve pamusoro paizvozvi.” Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo. Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi ainzi Dhamari, navamwe pamwechete navo.

Verenga chikamu Mabasa 17

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMabasa 17:22-34