Zvino vakati vagura neAmifipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha. Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro maSabata matatu, achivazarurira nokuvazivisa, kuti, “Kristu aifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.” Vamwe vavo vakatendera, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji. Asi vaJudha vaiva negodo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu. Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo, Jasoni akavagamuchira; mumba make ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uripiko, anonzi Jesu.”
Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo. Zvino, vakati vatora rubatso kuna Jasoni navamwe, vakavarega.
Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha. Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo. Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji. Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikawo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji. Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasarapo. Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.