Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasangana nomumwe musikana aiva nomweya wokuuka, aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuuka kwake. Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira, achiti, “Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.” Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendeuka, akati kumweya, “Ndinokurayira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari.” Ukabuda nenguva iyeyo.
Zvino vatenzi vake vakati vachiona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira kudare pamberi pavabati, vakaenda navo kuvatongi, vakati, “Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu, vachiparidza tsika dzatisina kutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.” Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakavabvarurira nguo dzavo, vakarayira kuti varohwe neshamhu. Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakarayira murindi wetorongo kuti avachengete kwazvo. Iye akati arayirwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka. Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.”
Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda; akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”
Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make. Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.