Naizvozvo takabva Turoasi nechikepe, tikaruramira Samotirake; fume mangwana tikasvika Neapori; tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro. Nezuva reSabata tikabuda kunze kwesuo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vaunganapo. Zvino mumwe mukadzi, ainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, womusha weTiatira, ainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro. Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.
Verenga chikamu Mabasa 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 16:11-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo