Ipapo vapostori, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vatsanangure varume pakati pavo, vavatumire Andioki pamwechete naPauro naBhanabhasi, vaiti: Judhasi ainzi Bhasabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama. Vakanyora tsamba, vakaituma navo, yaiti, “Vapostori navakuru pahama, kuhama dzokuvahedheni paAndioki, napaSiria, napaKirikia; mufaro! Zvatakanzwa, kuti vamwe vakabva kwatiri, vatisina kurayira, vakakukanganisai namashoko, vachidziyanisa mweya yenyu, takati nomwoyo mumwe zvakanaka kuti titsanangure varume, tivatumire kwamuri, pamwechete naBhanabhasi naPauro, vadikanwi vedu; vanhu vakazvidza upenyu hwavo nokuda kwezita raIshe wedu, Jesu Kristu. Zvino tatuma Judhasi naSirasi, ivo vanozokuudzai vamene izvozvi nomuromo. Nokuti Mweya Mutsvene nesu takati zvakanaka, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kune zvinhu izvi zvakafanira, zvinoti: Regai zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe; kana mukazvidzora pazviri, muchaita zvakanaka. Sarai zvakanaka.”
Zvino vakati vaendeswa, vakaburukira Andioki; vakaunganidza vanhu vazhinji, vakavapa tsamba. Ivo vakati vairava, vakafara zvikuru pamusoro pokuvaraidzwa. Judhasi naSirasi, vaiva vaporofita vamene, vakavaraidza hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa. Vakati vagarako nguva, vakaendeswa nehama nomufaro, vakaenda kuna vakanga vavatuma.
[Asi Sirasi akati zvakanaka kusarapo.]
Pauro naBhanabhasi vakagara Andioki, vachidzidzisa nokuparidza shoko raIshe, navamwe vazhinjiwo.
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Ngatidzokezve tindoshanyira hama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raIshe, tione kuti vakadini.”
Zvino Bhanabhasi akanga achida kutora Johaniwo, ainzi Mako; asi Pauro akati hazvina kunaka kumutora iye, akambovasiya Pamufiria, akasaenda navo kubasa. Ipapo kutsamwirana kukavapo, nokudaro vakaparadzana, Bhanabhasi akatora Mako, akaenda Saipurasi nechikepe; asi Pauro wakatsanangura Sirasi; akaenda, akaiswa nehama panyasha dzaIshe; akagura neSiria neKirikia, achisimbisa kereke.