Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 15:1-21

Mabasa 15:1-21 SNA2002

Zvino vamwe vakaburuka Judhea, vakadzidzisa hama, vachiti, “Kana musingadzingiswi netsika yaMosesi, hamungaponeswi.” Asi Pauro naBhanabhasi vakapesana kwazvo navo, nokuita nharo navo, vakazotenderana kuti Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakwire Jerusaremu kuvapostori navakuru pamusoro peshoko iri. Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakagura neFonikia neSamaria, vakataura zvokutendeuka kwavahedheni; vakafadza zvikuru hama dzose. Zvino vakati vasvika Jerusaremu, vakagamuchirwa nekereke, navapostori, navakuru; vakarondedzera zvose zvakaitwa naMwari navo. Asi vamwe vedzidziso yavaFarisi, vaitenda, vakasimuka, vakati, “Vanofanira kudzingiswa nokurayirwa kuti vachengete murayiro waMosesi.” Ipapo vapostori navakuru vakaungana kuti varangane pamusoro peshoko iri. Zvino, nharo huru dzakati dzavapo, Petirosi akasimuka akati kwavari, “Varume, hama, munoziva kuti kubva pamazuva akare Mwari akanditsanangura pakati penyu, kuti vahedheni vanzwe shoko reVhangeri nomuromo wangu, vatende. Zvino Mwari, muzivi womwoyo, wakavapupurira, akavapa Mweya Mutsvene sesu; haana kutsaura pakati pedu navo, zvaakanatsa mwoyo yavo nokutenda. Naizvozvo zvino, munoedzireiko Mwari, muchiisa pamitsipa yavadzidzi joko, rakanga risingagoni kutakurwa namadzibaba edu kunyange nesu? Asi tinotenda kuti isu tichaponeswa nenyasha dzaIshe Jesu nomutoo mumwe navo.” Ipapo vanhu vazhinji vose vakaramba vanyerere, vakateerera vanaBhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso, zvakaitwa naMwari navo pakati pavahedheni. Zvino vakati vanyarara, Jakobho akapindura, akati, “Varume, hama, nditeererei. Simoni akarondedzera matangiro aMwari kumutsa vahedheni, kuti atore kwavari vanhu vezita rake. Naizvozvo mashoko avaporofita anobvumira izvozvi; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Shure kwaizvozvi ndichadzoka, Ndivake tabhenakeri yaDhavhidhi, yakawa; Ndichavakazve matongo ayo, Ndichiimutsa; Kuti vakasara kuvanhu vatsvake Ishe, Navahedheni vose vakadanwa nezita rangu, Ndizvo zvinotaura Ishe, unozivisa izvozvi zvose kubva pakutanga kwenyika.’ “Naizvozvi ini ndinoti, ngatirege kugumbusa avo pakati pavahedheni vakatendeukira kuna Mwari; asi tivanyorere kuti varege zvakashatiswa nezvifananidzo, noupombwe, nezvakadzipwa, neropa. Nokuti Mosesi kubva pamarudzi ekare, aiva navanomuparidza paguta rimwe nerimwe, achirawa mumasinagoge Sabata rimwe nerimwe.”

Verenga chikamu Mabasa 15