Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 14:1-28

Mabasa 14:1-28 SNA2002

Zvino paIkonio vakapinda kamwe vose musinagoge ravaJudha, vakataura nokudaro kuti vazhinjizhinji vavaJudha navaGiriki vakatenda. Asi vaJudha vasina kuteerera, vakamutsa mwoyo yavahedheni, kuti vavenge hama. Naizvozvo vakagarapo nguva refu, vachitaura munaIshe vasingatyi; iye akapupurira shoko renyasha dzake, akavapa simba kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe namaoko avo. Asi vanhu vazhinji veguta vakapesana, vamwe vakava kuvaJudha, vamwe kuvapostori. Zvino vahedheni, navaJudha, navabati vavo vakati vachivavarira kuvaitira zvakaipa nokuvataka namabwe; ivo vakazviziva, vakatizira Risitira neDhebhe, aiva maguta eRikonia, nokunyika yakapoteredza; vakaparidzira Vhangeri ikoko. Zvino paRisitira paigara mumwe murume akanga asina simba patsoka dzake, chirema kubva padumbu ramai vake, asina kutongofamba. Iye akanzwa Pauro achitaura; zvino iye akati achimutarisisa, akaona kuti anokutenda kuti angaporeswa, akati nezwi guru, “Mira kwazvo netsoka dzako.” Iye akavazuka, akafamba. Vanhu vazhinji vakati vaona zvaitwa naPauro, vakadanidzira norurimi rwavaRikonia, vachiti, “Vamwari vaburukira kwatiri, vaita savanhu.” Bhanabhasi vakamutumidza Jupiteri, naPauro Merikuro, nokuti ndiye aiva mutauri mukuru. Ipapo mupristi waJupiteri aiva netemberi yake pamberi peguta, akauya pamusuo nenzombe namaruva okushonga, achida kuvabayira, anavanhu vazhinji naye. Zvino vapostori, Bhanabhasi naPauro, vakati vachinzwa izvozvo, vakabvarura nguo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira, vachiti, “Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo; tinokuparidzirai mashoko akanaka, kuti mubve panaizvozvo zvisina maturo, mutendeukire kuna Mwari mupenyu akaita denga napasi; negungwa, nezvose zviri mukati mazvo. Iye, panguva dzakapfuura akatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo. Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.” Nokutaura kwavo saizvozvo, vakatambura kwazvo kudzivisa vanhu kuti varege kuvabayira. Ipapo vaJudha vakabva Andioki neIkonio, vakasvika, vakamutsa mwoyo yavanhu, vakataka Pauro namabwe, vakamukwevera kunze kweguta vachiti wafa. Asi vadzidzi vakati vamukomba iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBhanabhasi. Vakati vaparidza Vhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Risitira, neIkonio, neAndioki, vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namadambudziko mazhinji.” Vakavasanangurira vakuru pakereke imwe neimwe, vakanyengetera, vachizvinyima zvokudya, vakavaisa kuna Ishe, wavaitenda. Vakagura nePisidhia, ndokusvika Pamufiria. Vakati vaparidza shoko paPega, vakaburukira Ataria. Vakabvapo, vakaenda Andioki nechikepe, apo pavakanga vaiswa panyasha dzaMwari kubata basa ravakanga vapedzisa zvino. Vakati vasvika, vakaunganidza kereke, vakarondedzera zvose zvakanga zvaitwa naMwari navo, uye kuti akanga azarurira vahedheni musuo wokutenda. Vakagara nguva huru navadzidzi.

Verenga chikamu Mabasa 14