Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 2:8-13

2 Timoti 2:8-13 SNA2002

Rangarira Jesu Kristu akamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza neVhangeri yangu; yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwechete nokubwinya kusingaperi. Ishoko rechokwadi; “Nokuti kana tikafa pamwechete naye tichararamawo pamwechete naye. Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwechete naye; kana tikamuramba, iye achatirambawo. Kana isu tisakatendeka iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.”

Verenga chikamu 2 Timoti 2