Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari, akatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi kwakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye akaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeVhangeri, yandakaitwa muparidzi, nomupostori, nomudzidzisi wayo. Nemhaka iyi ndinotambudzikawo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero.
Verenga chikamu 2 Timoti 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Timoti 1:8-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo