Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 1:3-7

2 Timoti 1:3-7 SNA2002

Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu husiku namasikati, ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro; ndichiyeudzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara muna mbuya vako nomuna mai vako, vaJuniki, kwandinoziva kwazvo kuti kunogarawo mauri. Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.

Verenga chikamu 2 Timoti 1