Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 19

19
1Zvino Joabhu akaudzwa, zvichinzi, “Tarira, mambo unochema nokuungudzira Abhusaromu.” 2Naizvozvo kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema kwavanhu vose, nokuti vanhu vakanzwa zuva iro zvichinzi, “Mambo unochema mwanakomana wake.” 3Vanhu vakapinda muguta zuva iro vachiverevedza, savanhu vanonyara kana vachitiza kurwa. 4Mambo akafukidza chiso chake, mambo akachema nezwi guru, achiti, “Haiwa, mwana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!”
5Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, “Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu hwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu; 6nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti dai Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo. 7Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku hwenyu kusvikira zvino.” 8Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, “Tarirai, mambo ugere pasuo;” vanhu vose vakauya pamberi pamambo.
Dhavhidhi anodzokera Jerusaremu
Zvino vaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake. 9Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, “Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu. 10Asi Abhusaromu watakanga tazodza kuti ave mambo wedu, wafa pakurwa. Zvino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?”
11Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapristi, akati, “Taurai kuvakuru vaJudha, muti, ‘Imi munononokireiko kudzosa mambo kumba kwake?’ Nokuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake. 12Imi muri hama dzangu, muri mapfupa angu nenyama yangu, zvino munononokirei kudzosa mambo? 13Zvino muti kuna Amasa, ‘Iwe hauzi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana iwe usingazovi mukuru wehondo nguva yose pamberi pangu panzvimbo yaJoabhu.’ ” 14Akarereudza mwoyo yavanhu vose vaJudha somwoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, “Dzokai, imi navaranda venyu vose.”
15Naizvozvo mambo akadzoka, akasvika paJorodhani. VaJudha vakasvika paGirigari, vakasangana namambo, vakayambusa mambo Jorodhani.
16Zvino Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini, wakanga agere Bhahurimu, wakakurumidza akaburuka navarume vaJudha kundosangana namambo Dhavhidhi. 17Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vana makumi maviri; ivo vakayambuka Jorodhani pamberi pamambo. 18Igwa rikaenda kundoyambusa veimba yamambo, nokuita sezvavaida. Ipapo Shimei mwanakomana waGera wakazviwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Jorodhani. 19Akati kuna mambo, “Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka; regai henyu kurangarira kutadza kwomuranda wenyu zuva riya rokubuda kwashe wangu paJerusaremu; mambo ngaarege hake kurangarira izvozvo pamwoyo pake. 20Nokuti muranda wenyu unoziva kuti ndakatadza; naizvozvo tarirai, nhasi ndauya ndichitangira vose veimba yaJosefa, ndakaburuka kuzosangana nashe wangu mambo.”
21Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, “Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?”
22Dhavhidhi akati, “Ndine mhosva yeiko nemi, imi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?” 23Mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Mambo akapika kwaari.
24Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare. 25Zvino wakati asvika Jerusaremu kuzosangana namambo, mambo akati kwaari, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?”
26Iye akapindura akati, “Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, ‘Ndichazviisira chityaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo,’ nokuti muranda wenyu chirema.
27“Iye akandochera muranda wenyu kunashe wangu mambo; asi ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari; naizvozvo itai henyu sezvamunoda.
28“Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?”
29Mambo akati kwaari, “Ucharamba uchitaureiko?” Ndinoti, “Iwe naZibha govanai nyika.”
30Mefibhosheti akati kuna mambo, “Iye ngaatore hake zvose, ishe wangu mambo zvaakadzokera kumba kwake norugare.”
31NaBharizirai muGireadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jorodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJorodhani. 32Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akapfuma kwazvo. 33Mambo akati kuna Bharizirai, “Hendei, tiyambuke tose, ini ndichakuraramisa kwandiri paJerusaremu.”
34Bharizirai akati kuna mambo, “Makore oupenyu hwangu achava manganiko, kuti ndikwire Jerusaremu namambo? 35Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanonwa here? Ndichagona kunzwa mazwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo? 36Muranda wenyu wakanga achingoda hake kuyambuka Jorodhani namambo; zvino mambo ungandiripira izvozvo nomubayiro wakadai seiko? 37Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda.”
38Mambo akapindura akati, “Chimhamu uchayambuka neni, ini ndichamuitira iye sezvaunoda iwe; zvose zvaunoreva kwandiri ndichakuitira izvo.” 39Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, naiye mambo akayambukawo; mambo akatsvoda Bharizirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.
40Naizvozvo mambo akayambukira Girigari, Chimhamu akayambuka naye, navanhu vose vaJudha vakayambusa mambo, uyewo hafu yavanhu vaIsiraeri.
41Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, “Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jorodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?”
42Varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsiraeri, vakati, “Nokuti mambo ihama yedu yomumba; matsamwireiko nemhaka iyi? Ko isu takatongodya zvamambo here? Iye wakatongotipa chipo here?” 43Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, “Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu?” Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Samueri 19: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda