Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.
Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakanga ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, “Uri weguta ripiko?” Kana akati, “Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,” Abhusaromu waiti kwaari, “Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa.” Uye Abhusaromu akatiwo, “Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire.” Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda. Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera mwoyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha. Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, ‘Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.’ ”
Mambo akati, “Chienda hako norugare.” Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni. Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, “Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, ‘Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.’ ” Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu. Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nokuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu.
Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, “Mwoyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu.” Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, “Simukai, titize nokuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza.”
Varanda vamambo vakati kuna mambo, “Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikanwa naishe wedu mambo.” Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba. Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki.