Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 11:1-5

2 Samueri 11:1-5 SNA2002

Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu. Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhoo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakanga achishamba; zvino mukadzi uyo wakanga akanaka kwazvo pakuonekwa kwake. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, “Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?” Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakanga anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake. Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, “Ndava nemimba.”