2 Madzimambo 19
19
1Zvino mambo Hezekia wakati achizvinzwa, akabvarura nguo dzake, akafuka magumbu, akapinda mumba maJehovha. 2Akatuma Eriakimu waitarira imba, naShebhana munyori, navakuru vavapristi, vakafuka magumbu, kunomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi. 3Vakati kwaari, “Zvanzi naHezekia, ‘Nhasi izuva rokutambudzika, nerokutukwa, nerokuzvidzwa; nokuti vana vakasvika pakuzvarwa, asi hakune simba rokuzvara naro. 4Zvimwe Jehovha Mwari wenyu uchanzwa mashoko ose omukuru wavatariri, wakatumwa namambo weAsiria tenzi wake, kuzvidza Mwari mupenyu, agovatuka pamusoro pamashoko akanzwa Jehovha Mwari wenyu; naizvozvo nyengetererai vakasara.’ ”
5Ipapo varanda vamambo Hezekia vakasvika kuna Isaya. 6Isaya akati kwavari, “Udzai tenzi wenyu, muti, ‘Zvanzi naJehovha, usatya hako mashoko awakanzwa, andakamhurwa nawo navaranda vamambo weAsiria. 7Tarira, ndichaisa mweya wokutya mukati make, uchanzwa guhu, ndokudzokera kunyika yake; ndichamuurayisa nomunondo munyika yake.’ ”
8Naizvozvo mukuru wavatariri wakadzoka, akawana mambo weAsiria achirwa neRibhina, nokuti wakanga anzwa kuti wabva paRakishi. 9Zvino wakati achinzwa pamusoro paTirihaka mambo weItiopia, zvichinzi, “Tarirai, wouya kuzorwa nemi, akatumazve nhume kuna Hezekia, achiti, 10‘Endai mundoudza Hezekia mambo waJudha,’ muti, ‘Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera,’ achiti, ‘Jerusaremu haringaiswi muruoko rwamambo weAsiria.’
11“Tarira, wakanzwa zvakaitirwa nyika dzose namadzimambo eAsiria, kuti vakadziparadza chose; zvino iwe ucharwirwa here? 12Ko vamwari vedzimwe ndudzi vakadzirwira here, idzo dzakaparadzwa namadzibaba angu, vanaGozani, naHarani, naRezefi, navana vaEdheni, vaiva paTerasari? 13Mambo weHamati uripiko, namambo weAripadhi, namambo weguta reSefarivhaimi, neHena, neIvha?”
14Hezekia akagamuchira n’gwadhi pamaoko enhume, akairava; Hezekia akakwira kumba kwaJehovha akaipetenura pamberi paJehovha. 15Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, akati, “Haiwa! Jehovha weIsiraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi. 16Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muwone; inzwai mashoko aSanheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu. 17Zvirokwazvo, Jehovha, madzimambo eAsiria akaparadza ndudzi nenyika dzadzo, 18akakandira vamwari vadzo mumoto; nokuti vakanga vasi vamwari, asi rakanga riri basa ramaoko avanhu, ari matanda namabwe; naizvozvo vakavaparadza. 19Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imi moga.”
20Ipapo Isaya mwanakomana waAmozi, wakatuma shoko kuna Hezekia, akati, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Zvawanyengetera kwandiri pamusoro paSanheribhi mambo weAsiria, ndakunzwa.’
21“Heri shoko rakataurwa naJehovha pamusoro pake, Mhandara, mukunda weZioni, wakakushora nokukuseka; mukunda weJerusaremu wakakudzungudzira musoro wake. 22Ndianiko waakatuka nokumhura? Wakazvikudza kuna aniko nezwi rako, meso ako akatarira aniko kudenga? NdiMutsvene weIsiraeri! 23Wakatuka Jehovha nenhume dzako, ukati, ‘Ndakakwira kumakomo marefu nengoro dzangu zhinji, kunzvimbo dzomukati dzeRebhanoni; ndichatema misidhari mirefu iripo, nemisipiresi yakatsaurwa iripo, ndichapinda kusvikira paimba yake yomukati, kudondo rake rinobereka zvakanaka. 24Ndakateka ndikanwa mvura yedzimwe nyika, ndichapisa nzizi dzose dzeIjipiti nokutsika kwetsoka dzangu. 25Hauna kunzwa here kuti ndakazviita kare, kuti ndakazviraira nenguva dzokutanga-tanga? Zvino ndaraira zviitike, kuti iwe uve muparadzi wamaguta akakombwa namasvingo, ave matongo.’
26“Naizvozvo vageremo vakanga vane simba duku, vakavhunduswa nokunyadzwa; vakafanana nouswa hwesango, nomuriwo mutema, nouswa huri pamusoro peimba, nezviyo zvakatsva zvichigere kukura. 27Asi ndinoziva kugara kwako pasi, nokubuda kwako, nokupinda kwako, uye hasha dzako kwandiri.
28“Nokuda kwehasha dzako kwandiri, uye nokuti ndakanzwa kuzvikudza kwako, ndichaisa rwauro rwangu mumhino dzako, netomu rangu mumiromo yako, ndikudzosere nenzira yawakauya nayo. 29Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri, nhaka muchadya zvinogomera zvoga, negore rechipiri muchadya zvinomerazve kwazviri; asi negore rechitatu munofanira kudyara, nokucheka, nokusima minda yemidzambiringa, mudye michero yayo.
30“Zvino vakasara, vakapukunyuka veimba yaJudha, vachaitazve midzi pasi, nokubereka michero kumusoro.
31“Nokuti vakasara vachabuda paJerusaremu, navakapukunyuka pagomo reZioni; kushingaira kwaJehovha kuchazviita.
32“Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiria, ‘Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhoo, kana kututira gomo revhu pariri.’ 33Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira yaakauya nayo, uchadzokazve nayo; haangapindi muguta rino. 34Nokuti ndichadzivira guta rino, ndirirwire nokuda kwangu, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
35Zvino nousiku uhwo mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria; zvino vanhu vakati vachimuka mangwanani, vakawana zvava zvitunha zvose. 36Naizvozvo Sanheribhi mambo weAsiria akabva, akaenda, akadzokera kwakare, akandogara Ninivhe. 37Zvino wakati achinamata mumba maNisiroki mwari wake, Adhiramereki naSharezeri vakamuuraya nomunondo, ivo vakatizira kunyika yeArarati. Esarihadhoni akamutevera paushe.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 19: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002