2 Madzimambo 14
14
Amazia mambo waJudha
1Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo weIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe. 2Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu. 3Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi. 4Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake.
6Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMosesi, sezvakaraira Jehovha, achiti, “Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake.”
7Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi.
8Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo weIsiraeri, akati, “Uya tionane.” 9Jehoashi mambo weIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, “Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;’ zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsika-tsika rukato. 10Iwe wakunda vaEdhomu, zvino mwoyo wako wozvikudza; chikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?”
11Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo weIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha. 12VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake. 13Jehoashi mambo weIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana. 14Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napapfuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria.
15Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri? 16Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo eIsiraeri; Jerobhoamu akamutevera paushe.
Jerobhoamu wechipiri mambo weIsiraeri
17Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsiraeri. 18Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha?
19Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo. 20Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi.
21Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. 22Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake.
23Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo weIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe.
24Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. 25Akakundazve nyika yeIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari weIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi. 26Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusino mubetseri waIsiraeri. 27Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita reIsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi.
28Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri? 29Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo eIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 14: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002