2 Johani 1
1
Kwaziso
1Mukuru kuna mai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nechokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navosewo vanoziva chokwadi; 2nokuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi.
3Nyasha, nengoni, norugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba, nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi norudo.
Fambai muchokwadi norudo, muchenjere vadzidzisi venhema
4Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. 5Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murayiro mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane. 6Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirayiro yake. Ndiwoyu murayiro, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu. 8Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana.
9Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye anaBaba noMwanakomana. 10Kana mumwe achiuya kwamuri, asingauyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, “Kwaziwai!”
11Nokuti anoti kwaari, “Kwaziwai!” Anofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
Kuonekana
12Kunyange ndine zvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora netsamba neingi; asi ndinotarira kuti ndichauya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13Vana vomunun'una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Johani 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002