Zvino rangarirai chinhu ichi: Anodyara zvishoma, achachekawo zvishoma; anodyara zvizhinji, achachekawo zvizhinji. Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga mumwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro. Mwari anogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti nguva dzose muve nokuringana kwose pazvose, kuti muwanze mabasa ose akanaka; sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Iye akaparadzira, iye akapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.” Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu
Verenga chikamu 2 VaKorinde 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 9:6-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo