Zvino zvatino mweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakatenda, saka ndakataura;” nesuo tinotenda, saka tinotaurawo; tichiziva kuti iye akamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu pamwechete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwechete nemi. Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe. Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe. Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi; tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 4:13-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo