2 Makoronike 1
1
Soromoni anokumbira njere kuna Mwari
1Zvino Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbiswa paushe hwake, Jehovha Mwari wake akava naye, akamukurisa zvikuru kwazvo.
2Zvino Soromoni akataura navaIsiraeri vose, navakuru vezviuru navamazana, navatongi, namachinda ose pakati paIsiraeri vose, ivo vakuru vedzimba dzamadzibaba. 3Ipapo Soromoni neungano yose pamwechete naye vakaenda kudunhu rakakwirira raiva paGibheoni; nokuti ndipo pakanga pane tende rokusangana raMwari, rakanga ravakwa murenje naMosesi muranda waJehovha.
4Asi Dhavhidhi akanga atora areka yaMwari paKiriatijearimi, akaiisa panzvimbo, Dhavhidhi yaakanga aigadzirira; nokuti akanga aidzikira tende paJerusaremu. 5Neareka yendarira yakanga yaumbwa naBhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, yakanga iripo pamberi petabhenakeri yaJehovha; Soromoni neungano yose vakairangarira. 6Soromoni akakwirako pamberi paJehovha kuaritari yendarira, yakanga iri patende rokusangana, akabayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chezana.
7Zvino nousiku uhwo Mwari akazviratidza kuna Soromoni, akati kwaari, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” 8Soromoni akati kuna Mwari “Makaitira baba vangu Dhavhidhi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panzvimbo yavo.
9“Zvino Jehovha Mwari, shoko ramakapikira Dhavhidhi baba vangu ngarisimbiswe; nokuti makandiita mambo wavanhu vakafanana neguruva renyika pakuwanda kwavo. 10Zvino ndipei henyu njere nokuziva, kuti ndibude nokupinda pamberi pavanhu ava; nokuti ndiani angagona kutonga vanhu venyu ava vakawanda vakadai?”
11Mwari akati kuna Soromoni, “Zvawarangarira chinhu ichi mumwoyo mako, ukasakumbira pfuma, nezvakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwavavengi vako, kana kukumbira upenyu urefu, asi wakazvikumbirira njere nokuziva, kuti ugone kutonga vanhu vangu, vandakakuita mambo wavo; 12zvino njere nokuziva unozvipiwa iwe; uye ndichakupa pfuma, nezvakawanda, nokukudzwa, zvisina kumbopiwa mumwe wamadzibaba akakutangira; uye hapana mumwe achakutevera uchava nezvakadai.”
13Zvino Soromoni akabva panzvimbo yakakwirira yakanga iri paGibheoni, pamberi petende rokusangana, akasvika Jerusaremu, akabata ushe hwaIsiraeri.
Pfuma yaSoromoni
14Soromoni akaunganidza ngoro navatasvi vamabhiza; akanga ane ngoro dzine chiuru chimwe namazana mana, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, vaakaisa mumaguta engoro nokuna mambo paJerusaremu. 15Mambo akaunganidza sirivha nendarama paJerusaremu zvikawanda zvikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani. 16Mabhiza aSoromoni aaiva nawo, aibva Ijipiti; vatengesi vamambo vaindoatorako vachiita mapoka-mapoka, boka rimwe nerimwe rino mutengo waro. 17Vakandozvitora Ijipiti, vakauya nazvo, ngoro imwe neimwe ichitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, nebhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria aivigirwa izvozvo navo.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Makoronike 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002