Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Timoti 6:11-16

1 Timoti 6:11-16 SNA2002

Asi iwe, munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama nokunamata Mwari, nokutenda, norudo, nokutsungirira, nohunyoro. Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi, hwawakadanirwa kwahuri, ukapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. Ndinokurayira pamberi paMwari, anopa zvinhu zvose zvoupenyu hwazvo, napamberi paKristu Jesu, akapupura kupupura kwakanaka pamberi paPontio Pirato; kuti uchengete murayiro, usina ruvara, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu, Jesu Kristu; kwaachazoratidza panguva dzake, iye oga akaropafadzwa nowaMasimbaose, Mambo wamadzimambo, Ishe wamadzishe; iye oga asingafi, agere pachiedza chisingaswederwi, asina kuonekwa; kukudzwa nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.

Verenga chikamu 1 Timoti 6