Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 2:3-9

1 VaTesaronika 2:3-9 SNA2002

Nokuti kurayira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera; asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Vhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoedza mwoyo yedu. Nokuti, sezvamunoziva, hatina kutongoreva namashoko okubata kumeso, kana namano-mano okukarira pfuma, Mwari chapupu; tisingatsvaki kukudzwa navanhu kana nemi, kana navamwe, kunyange taigona kukuremedzai, zvatiri vapostori vaKristu. Asi takanga tiri vanyoro pakati penyu, somureri kana achivaraidza vana vake; saizvozvo takakushuvai kwazvo, tikati zvakanaka kuti tirege kugovana nemi Vhangeri yaMwari bedzi, asi kunyange nemweya yeduwo, nokuti makanga madikanwa nesu kwazvo. Nokuti, hama dzangu, munorangarira kutambudzika nokurwa kwedu; taibata basa usiku namasikati, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu, tikakuparidzirai Vhangeri yaMwari.