Pauro, naSirivhano, naTimoti, kukereke yavaTesaronika, iri muna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu: Nyasha ngadzive nemi norugare. Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu; tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu; tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu. Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu.
Verenga chikamu 1 VaTesaronika 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 VaTesaronika 1:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo