Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 7:2-11

1 Samueri 7:2-11 SNA2002

Kubva pamusi wokusvika kweareka paKiriatijearimi, yakagarapo nguva refu, nokuti akanga ari makore makumi maviri; imba yose yaIsiraeri ikachema kuna Jehovha. Samueri akataura neimba yose yaIsiraeri, akati, “Kana muchida kudzokera kuna Jehovha nomwoyo wenyu wose, bvisai vamwari vatorwa neAshitaroti pakati penyu, mugadzirire Jehovha mwoyo yenyu, mumushumire iye oga; ipapo iye uchakusunungurai pamaoko avaFirisitia.” Vana vaIsiraeri vakabvisa vaBhaari neAshitaroti, vakashumira Jehovha oga. Zvino Samueri akati, “Unganidzai vaIsiraeri vose paMizipa, ini ndikunyengetererei kuna Jehovha.” Vakaunganidzana paMizipa, vakachera mvura, vakaidururira pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya nomusi iwoyo, vakati ipapo, “Takatadzira Jehovha.” Samueri akatonga vana vaIsiraeri paMizipa. Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti vana vaIsiraeri vakanga vaungana paMizipa, madzishe avaFirisitia akakwira kundorwa navaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vachinzwa vakatya vaFirisitia. Zvino vana vaIsiraeri vakati kuna Samueri, “Musarega henyu kuramba muchichema kuna Jehovha Mwari wedu nokuda kwedu, kuti atirwire pamaoko avaFirisitia.” Samueri akatora gwayana rinomwa, akagadzirira Jehovha naro chipiriso chinopiswa chose. Samueri akachema kuna Jehovha nokuda kwavaIsiraeri; Jehovha akamunzwa. Samueri wakati achapisira Jehovha chipiriso chinopiswa, vaFirisitia vakaswedera kuzorwa navaIsiraeri; asi Jehovha akatinhira nokutinhira kukuru pamusoro pavaFirisitia nomusi iwoyo, akavavhundusa, vakakundwa navaIsiraeri. Varume vaIsiraeri vakabuda Mizipa, vakatevera vaFirisitia, vakavaparadza kusvikira panyasi peBhetikari.

Verenga chikamu 1 Samueri 7