Asi Samueri wakanga achigere kuziva Jehovha, uye shoko raJehovha rakanga richigere kumuziviswa. Zvino Jehovha akapamhazve kudana Samueri rwechitatu. Iye akamuka, akaenda kuna Eri, akati, “Ndiri pano hangu, nokuti mandidana.” Ipapo Eri akaziva kuti ndiJehovha wakadana mwana. Saka Eri akati kuna Samueri, “Chindovata hako; zvino kana iye okudana, uti, ‘Taurai Jehovha, nokuti muranda wenyu unonzwa.’ ” Naizvozvo Samueri akaenda, akandovata panzvimbo yake.
Verenga chikamu 1 Samueri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 3:7-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo