Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25:1-22

1 Samueri 25:1-22 SNA2002

Zvino Samueri wakafa; vaIsiraeri vose vakaungana, vakamuchema, vakamuviga mumba make paRama. Dhavhidhi akasimuka, akaburukira kurenje reParani. Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nepfuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri. Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi. Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakanga achiveura makwai ake. Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, “Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu. Mugoti kuna iye agere pakati pepfuma yake, ‘Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo. Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri. Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.’ ” Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo. Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo. Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?” Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;” mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi. Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, “Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo. Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango. Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai. “Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.” Ipapo Abhigairi akakurumidza kutora zvingwa zvina mazana maviri, namatende maviri ewaini, namakwai mashanu akanga agadzirwa, nezviyero zvishanu zvezviyo zvakakangwa, namasumbu amadzambiringa akawoma ane zana, namapundu amawonde ana mazana maviri, akazviisa pamusoro pembongoro. Akati kumajaya ake, “Nditungamirirei, tarirai, ndinokuteverai.” Asi haana kuudza murume wake Nabhari. Zvino wakati achifamba akatasva mbongoro yake, akaburukira pamupata pegomo, Dhavhidhi navarume vake vakaburukirawo kwaari; iye akasangana navo. Zvino Dhavhidhi wakanga ati, “Zvirokwazvo, ndaichengeta hangu zvinhu zvose zvomunhu uyu nhandu murenje, hakuna chinhu chimwe chake chakarashika; akanditsiva nezvakaipa pane zvakanaka. Mwari ngaarove vavengi vaDhavhidhi, arambe achidaro, kana ndikarega kunyange mwanakomana mumwechete kuna vose vaanavo ari mupenyu kusvikira mangwana.”