Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 22

22
Dhavhidhi anotizira kubako reAdhurami
1Naizvozvo Dhavhidhi wakabvapo akatizira kubako reAdhurami; zvino hama dzake navose veimba yababa vake vakati vachinzwa, vakaburukirako kwavari. 2Zvino vose vakanga vari panjodzi, navose vakanga vane mhosva, navose vakanga vane shungu vakaungana kwaari, akava mutangamiriri wavo; kwakanga kuna varume vanenge mazana mana naye.
3Zvino Dhavhidhi akabvapo akaenda Mizipa kwaMoabhu; akati kuna mambo waMoabhu, “Baba vangu namai vangu ndinokumbira kuti vauye vagare nemi, kusvikira ndaziva chandichaitirwa naMwari.”
4Akavaisa kuna mambo waMoabhu, vakagara naye nguva yose yokugara kwaDhavhidhi munhare. 5Zvino muporofita Gadhi akati kuna Dhavhidhi: “Usaramba ugere munhare, asi ibva undogara panyika yaJudha.” Ipapo Dhavhidhi akabva akasvika kudondo reHereti.
Sauro anoraira kuti vanhu vose veNobhi vaurawe
6Zvino Sauro wakanzwa kuti Dhavhidhi wawanikwa, iye navarume vaiva naye; Sauro wakanga agere Gibhea, munyasi momuti womutamarisiki paRama, akabata pfumo rake muruoko rwake, navaranda vake vose vakanga vamire naye. 7Zvino Sauro wakati kuvaranda vake vakanga vamire naye, “Inzwai zvino, imi vaBhenjamini! Mwanakomana waJese uchakupai mose minda neminda yemidzambiringa here? Uchakuitai mose vakuru vezviuru navakuru vamazana here? 8Zvamandirangana mose, zvakusina mumwe unondizivisa kana mwanakomana wangu akaita sungano nomwanakomana waJese, zvakusino mumwe wenyu unondinzwira tsitsi, kana unondizivisa kuti mwanakomana wangu wakamutsa muranda wangu kuti andimukire, andivandire, sezvaanoita nhasi here?”
9Ipapo Dhoegi muEdhomu, wakanga amire navaranda vaSauro, akapindura akati, “Ndakaona mwanakomana waJese achisvika Nobhi, kuna Ahimereki mwanakomana waAitubi. 10Iye akamubvunzira kuna Jehovha, akamupa mbuva, akamupawo munondo waGoriati muFirisitia.”
11Ipapo mambo akatuma nhume kundodana Ahimereki mupristi, mwanakomana waAhitubi, neveimba yake yose, ivo vapristi vaiva paNobhi; vakauya vose kuna mambo. 12Zvino Sauro akati; “Zvino chinzwa, iwe mwanakomana waAhitubi.” Iye akapindura, akati, “Ndiri pano, ishe wangu.”
13Sauro akati kwaari; “Mandiranganeiko, iwe nomwanakomana waJese, zvawakamupa, chingwa, nomunondo, nokumubvunzira kuna Mwari, kuti andimukire, andivandire sezvaanoita nhasi?” 14Ipapo Ahimereki akapindura mambo akati, “Ndianiko pakati pavaranda venyu vose wakatendeka saDhavhidhi, mukwambo wamambo, unosirangana nemi, unokudzwa mumba menyu? 15Ndiko nhasi kwandatanga kumubvunzira kuna Mwari here? Haisva! Mambo ngaarege hake kusundira muranda wake mhosva, kunyange vose veimba yababa vangu; nokuti muranda wenyu haazivi izvozvo zvose, kunyange zviduku kana zvikuru.”
16Ipapo mambo akati, “Zvirokwazvo, uchafa Ahimereki, iwe navose veimba yababa vako.” 17Mambo akati kuvanyai vakanga vamire naye, “Tendeukai, muuraye vapristi vaJehovha, nokuti maoko avo anobatsira Dhavhidhi, nokuti vakanga vachiziva kuti watiza, asi havana kundizivisa.” Asi varanda vamambo vakaramba kutambanudzira maoko avo kuuraya vapristi vaJehovha. 18Ipapo mambo akati kuna Dhoegi, “Tendeuka iwe, uuraye vapristi.” Dhoegi muEdhomu, akatendeuka, akauraya vapristi, akaparadza nomusi iwoyo vanhu vana makumi masere navashanu vakanga vakafuka efodhi yomucheka. 19Akaparadzawo Nobhi, guta ravapristi, neminondo inopinza, varume navakadzi vose, navana navakanga vachimwa, nemombe, nembongoro, namakwai; zvose zvakaparadzwa neminondo inopinza.
20Asi mumwe wavanakomana vaAhimereki mwanakomana waAhitubi, wainzi Abhiatari, wakapukunyuka, akatiza, akatevera Dhavhidhi. 21Abhiatari akaudza Dhavhidhi kuti Sauro wauraya vapristi vaJehovha. 22Dhavhidhi akati kuna Abhiatari, “Musi uya wandakaona Dhoegi muEdhomu aripo, ndakaziva kuti zvirokwazvo uchandoudza Sauro; ndini ndakaurayisa vanhu vose veimba yababa vako.
23“Gara hako neni, usatya; nokuti unotsvaka kundiuraya ini, ndiye unotsvaka kukuuraya iwewo; nokuti kana ukagara neni uchachengetwa.”

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 22: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda